Ezekiel 30

Kuchema pamusoro peIjipiti

1Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2“Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ungudza uti,
“Haiwa, zuva iro!”
3Nokuti zuva rava pedyo,
zuva raJehovha rava pedyo,
zuva ramakore,
nguva yokuparadzwa kwendudzi.
4Munondo uchauya pamusoro peIjipiti,
uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia.
Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti,
pfuma yake ichatakurwa ichienda kure
uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.
5Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti.

6“ ‘Zvanzi naJehovha:

“ ‘Vanotsigira Ijipiti vachawa
uye simba rainozvikudza naro richapera.
Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani,
vachaurayiwa nomunondo mukati pake,
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
7Vachaparadzwa
pakati penyika dzakaparadzwa,
uye maguta avo achava
pakati pamaguta akaitwa matongo.
8Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha,
pandichatungidza moto kuIjipiti
uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.
9“ ‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya.

10“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti
noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.
11Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi,
achauyiswa kuti azoparadza nyika.
Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti,
uye vachazadza nyika navakaurayiwa.
12Ndichaomesa hova dzeNairi,
uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa;
namaoko avatorwa
ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi.
Ini Jehovha ndazvitaura.

13“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha:

“ ‘Ndichaparadza zvifananidzo
uye ndichagumisa mifananidzo yeMemufisi.
MuIjipiti hamuchazovizve nomuchinda,
uye ndichaparadzira kutya munyika yose.
14Ndichaita kuti Patirosi ive dongo,
ndichapisa Zoani,
uye ndicharanga Tebhesi.
15Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami,
iyo nhare yeIjipiti,
uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi.
16Ndichapisa Ijipiti;
Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa.
Tebhesi richakukurwa nedutu;
Memufisi ichagara iri munhamo.
17Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi
achaurayiwa nomunondo,
uye maguta achatapwa.
18Zuva iroro richava rerima paTapanhesi,
pandichavhuna joko reIjipiti;
kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo.
Richafukidzwa namakore,
uye misha yaro ichatapwa.
19Saka ndicharanga Ijipiti,
uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
20Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 21“Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo. 22Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake. 23Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. 24Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa. 25Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti. 26Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Copyright information for SnaBDSC